2 Petro 3:13-18
2 Petro 3:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri. Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva; muchiti, mwoyo murefu waIshe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyoreraiwo nokuchenjera kwaakapiwa; sezvaanotaura mumatsamba ake ose pamusoro pezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa. Naizvozvo imi vadikanwi, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muve pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi. Ameni.
2 Petro 3:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama. Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye. Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa. Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.
2 Petro 3:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri. Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva; muchiti, mwoyo murefu waIshe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyoreraiwo nokuchenjera kwaakapiwa; sezvaanotaura mumatsamba ake ose pamusoro pezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa. Naizvozvo imi vadikanwi, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muve pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi. Ameni.
2 Petro 3:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo. Naizvozvo vadikanwi, sezvamuri kumirira izvi, vavarirai kwazvo kuti akuwanei musina kana kavara kana chinoshoreka uye mune rugare. Torai mwoyo murefu waTenzi wedu soruponeso. Ndizvowo zvamakanyorerwa nehama yedu Paurosi maererano noungwaru hwaakapiwa, achitaura nezvazvo mutsamba dzake dzose. Madziri mune zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinominamiswa navasina ruzivo navasina pavo zvichizovaparadza sezvavanongoita namamwe Magwaro Matsvene. Naizvozvo imi vadikanwi zvamunoziva izvi nakare, chenjerai mungadaro mukateteretswa nokukanganisa kwavanhu ivavo vasina mutemo muchirasikirwa nechamakasimba nacho. Asi rambai muchingokura munyasha noruzivo rwaTenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu. Iye ngaarumbidzwe zvino nokusingaperi. Ameni.
2 Petro 3:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri. Saka ʋaɗikanwa, ɀamunotarira ɀinhu iɀi, shiŋgairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruʋara, musinemhoȿa; muciti, mŋoyo murefu waShe weɗu ruponeso; saPauro, hama yeɗu inoɗikanwa, akakunyorerai ʋo nokucenjera kwaakapiwa; seɀaanotaura muŋwadi dzake dzose pamsoro peɀinhu iɀi; madziri muneɀimŋe ɀikukutu kunzwisiswa; ɀinominamiswa, samamŋe magwaro ʋo, naʋasiŋgaziʋi naʋasinesimba, kuȿikira ʋaparadzwa. Naiɀoɀo imi ʋaɗikanwa, ɀamunoziʋa ɀinhu iɀi ɀisati ɀaitwa, cenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwaʋakashata, muwe pakusimba kwenyu. Asi kurai panyasha napakuziʋa Ishe weɗu, Muponesi Jesu Kristu. Ŋgaaʋe nokubginya ɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.
2 Petro 3:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)