Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 6:1-10

2 VaKorinde 6:1-10 SNA2002

Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. (Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa;” tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.) Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa; asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko, pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya; pakuchema kwomwoyo, pakuziva, pamwoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri; pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokurubhoshe nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vechokwadi hedu; savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri vapenyu; savanorohwa, asi tisingaurawi; savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; savasina chinhu, asi tinazvo zvose.