Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 12:2-4

2 VaKorinde 12:2-4 SNA2002

Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu. Uye ndinoziva munhu akadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), kuti akakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti aareve.