Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 11:18-33

2 VaKorinde 11:18-33 SNA2002

Vazhinji zvavanozvirumbidza panyama, neniwo ndichazvirumbidza. Nokuti munoitira mapenzi mwoyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera; nokuti munoita nomwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso. Ndinoreva ndichizvishoora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo. Ivo vaHebheru here? Neniwo. Ivo vaIsiraeri here? Neniwo. Ivo vana vaAbhurahamu here? Neniwo. Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji. Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka. Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. Ndianiko asina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko anogumburwa, neni ndikasarwadziwa? Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvoutera hwangu. Mwari, baba vaIshe Jesu, anokudzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. PaDhamasiko mubati pasi pamambo Areta akarinda guta raveDhamasiko, achitsvaka kundibata; ndikaburuswa ndiri mudengu napawindo parusvingo, ndikatiza pamaoko ake.