2 VaKorinde 11:18-33
2 VaKorinde 11:18-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza. Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera! Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso. Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo. Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo. Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri. Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji. Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka. Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu? Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu. Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge. Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napawindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake.
2 VaKorinde 11:18-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vazhinji zvavanozvirumbidza panyama, neniwo ndichazvirumbidza. Nokuti munoitira mapenzi mwoyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera; nokuti munoita nomwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso. Ndinoreva ndichizvishoora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo. Ivo vaHebheru here? Neniwo. Ivo vaIsiraeri here? Neniwo. Ivo vana vaAbhurahamu here? Neniwo. Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji. Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka. Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. Ndianiko asina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko anogumburwa, neni ndikasarwadziwa? Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvoutera hwangu. Mwari, baba vaIshe Jesu, anokudzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. PaDhamasiko mubati pasi pamambo Areta akarinda guta raveDhamasiko, achitsvaka kundibata; ndikaburuswa ndiri mudengu napawindo parusvingo, ndikatiza pamaoko ake.
2 VaKorinde 11:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
sezvo vazhinji vachizvikudza nezvinhu zvenyika, neniwo ndichazvirumbidza, nokuti munoitira mwoyo murefu mapenzi muchifara asi imi muri vanhu vakangwara. Munoitiraka imi mwoyo murefu munhu akakuitai varanda kana akakudyai nomunyati achikushandisai kana kuzvikudza kana kutokurovai nembama kumeso. Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo. Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo. Ivo vaHebheru here? Kana neniwo ndiri muHebheru. Ivo vaIsiraeri here kana neniwo. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahamu here? Kana neniwo. Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda. Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose. Ndiani anorukutika ndikasarukutikawo. Ndiani anopinzwa mukutadza ndikasagumbuka nazvo. Dai kuri kuti ndinozvirova dundundu ndingatozvirovera dundundu utera hwangu, Mwari naBaba waTenzi Jesu, iye anofanira kurumbidzwa nokusingaperi anoziva kuti handitauri nhema. KuDhamasikosi mutongi aiva pasi paMambo Aretasi akagaririra guta reDhamasikosi kuti andibate asi ndakaburutswa ndiri mutswanda napaburi raiva parusvingo ndikamupunyuka.
2 VaKorinde 11:18-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋazhinji ɀaʋanoɀirumbidza panyama, neni ʋo ndicaɀirumbidza. Nokuti munoitira mapenzi mŋoyo murefu nomufaro, imi muri ʋakacenjera; nokuti munoita nomŋoyo murefu kana munhu acikuitai ʋaranda, kana acikuparadzai, kana acikutapai, kana aciɀikudza, kana acikuroʋai kumeso. Ndinoreʋa ndiciɀishoʋora, ndiciti takaŋga tisinesimba kuɗaro. Ɀino kana kunomunhu unotsuŋga, (ndinotaura seɓenzi), neni ndinotsuŋga ʋo. Iʋo ʋaHeberu here? Neni ʋo. Iʋo ʋaIsraeri here? Neni ʋo. Iʋo ʋana ʋaAbrahama here? Neni ʋo. Iʋo ʋashumiri ʋaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopeŋga), ɀikuru ini; pamaɓasa ndinoʋapfuʋura, pakusuŋgwa patoroŋgo ndinoʋapfuʋura, pakurobga ɀikuru‐kuru, parufu kazhinji. Ndakarobga naʋaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamŋe. Katatu ndakarobga netȿimbo, kamŋe ndakatakwa namabge, katatu ndakaputsikirwa necikepe, ʋusiku bgumŋe namasikati ndakaŋga ndiri muguŋgwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzoʋorudzi rwaŋgu, panjodzi dzaʋahedeni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi muguŋgwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakuɓata napakutambura, pakuʋata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuɀinyima ɀokudya kazhinji, pacando napakushaiwa ɀokufuka. Kunze kwaiɀoɀi, ndinoremedzwa zuʋa rimŋe nerimŋe nokuraŋgarira kereke dzose. Ndianiko usinesimba, neni ndikasaʋa nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatȿa? Kana ndikafanira kuɀirumbidza, ndicaɀirumbidza neɀinhu ɀoʋutera bgaŋgu. Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe Jesu, unokudzwa nokusiŋgaperi, unoziʋa kuti handireʋi nhema. paDamasko muɓati pasi pamambo Areta wakarinda guta raʋeDamasko, acitȿaka kundiɓata; ndikaɓuruswa ndiri muɗeŋgu napawindi paruȿiŋgo, ndikatiza pamaʋoko ake.
2 VaKorinde 11:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)