Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa; iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura; nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji. Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma; sezvamakatitendawo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semiwo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raIshe Jesu.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 1:8-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo