2 VaKorinde 1:8-14
2 VaKorinde 1:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve. Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa. Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari. Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa, sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu.
2 VaKorinde 1:8-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa; iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura; nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji. Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma; sezvamakatitendawo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semiwo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raIshe Jesu.
2 VaKorinde 1:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa. Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura, imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji. Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.

2 VaKorinde 1:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve. Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa. Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari. Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa, sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu.
2 VaKorinde 1:8-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami; asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa; iye wakatisunuŋgura parufu rukuru rwakaɗai, ʋuye ucatisunuŋgura ɀe; iye watinotenda kuti ucaramba acitisunuŋgura; nemi ʋo muciɓatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti ʋanhu ʋazhinji ʋaʋoŋge pamsoro peɗu nokuɗa kwecipo ceɗu cenyasha catakapiwa nokunyeŋgetera kwaʋazhinji. Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari. Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma; seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu.