2 Makoronike 33
33
Manase mambo waJudha
1Manase akatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; 2akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri. 3Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekia; akamutsira vaBhaari aritari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira. 4Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha wakati, “PaJerusaremu ndipo pachagara zita rangu nokusingaperi.” 5Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha. 6Akapinzawo vana vake mumoto pamupata womwanakomana waHinomi; akatenda mashura, akaita mazango, akabata uroyi, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
7Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokunaSoromoni mwanakomana wake, “Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri. 8Uye handichabvisi tsoka dzaIsiraeri panyika yandakaratidza madzibaba enyu; kana vachichenjera bedzi kuita zvose zvandakavaraira, murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakarairwa naMosesi.” 9Manase akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusaremu, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
10Jehovha akataura naManase navanhu vake; asi havana kuteerera. 11Saka Jehovha akauyisa vakuru vehondo yamambo weAsiria kuzorwa navo, ivo vakabata Manase nezvikokoonho, vakamusunga namaketani, vakaenda naye Bhabhironi. 12Zvino akati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake; 13akanyengetera kwaari; akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusaremu paushe hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.
14Shure kwaizvozvi wakavaka rusvingo nechokunze kweguta raDhavhidhi, kurutivi rwamavirazuva rweGihoni, mumupata, ipo pavanopinda napo pasuo rehove; akakomberedza Oferi, akavaka rusvingo rwakakwirira kwazvo; akagadzawo vakuru vanoumhare pamaguta ose akakombwa paJudha. 15Akabvisa vamwari vatorwa, nechifananidzo mumba maJehovha, nearitari dzose dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha, napaJerusaremu, ndokuzvirashira kunze kweguta.
16Akavakazve aritari yaJehovha, akabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, nezvokuvonga, akaraira vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari waIsiraeri.
17Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachibayira pamatunhu akakwirira, asi vakabayira Jehovha Mwari wavo bedzi.
18Zvino mamwe mabasa aManase, nomunyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko avaoni vakataura kwaari nezita raJehovha Mwari waIsiraeri, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamabasa amadzimambo aIsiraeri. 19Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
20Ipapo Manase akavata namadzibaba ake, vakamuviga mumba make, Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.
Amoni mambo waJudha
21Amoni akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri. 22Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; Amoni akabayira mifananidzo yose yakavezwa, yakanga yaitwa naManase baba vake, akazvishumira. 23Haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, sokuzvininipisa kwaManase baba vake; asi Amoni uyu akaramba achingowedzera kudarika kwake.
24Varanda vake vakarangana vakamumukira, vakamuuraya mumba make. 25Asi vanhu venyika iyo vakazouuraya vose vakanga varangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 33: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002