Zvino akati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake; akanyengetera kwaari; akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusaremu paushe hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.