2 Makoronike 19
19
Jehoshafati anodzosera vanhu kuna Jehovha
1Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu. 2Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, “Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai. 3Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomwoyo wose.”
4Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
5Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe; 6akati kuvatongi, “Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu. 7Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro.”
8Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu. 9Akavaraira, achiti, “Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune mwoyo yakarurama. 10Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana nomurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva. 11Zvino tarirai, Amaria mupristi mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.”
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 19: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002