2 Makoronike 18
18
Sungano pakati paAhabhi naJehoshafati, kufa kwaAhabhi
1Zvino Jehoshafati akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi. 2Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramotigireadhi. 3Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, “Muchaenda neni Ramotigireadhi here?” Iye akapindura, akati, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.”
4Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.”
5Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, “Tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Ivo vakati, “Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6Asi Jehoshafati akati, “Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?”
7Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”
8Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, “Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.”
9Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo. 10Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.’ ” 11Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, “Endai Ramotigireadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo.”
12Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”
13Ipapo Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.”
14Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Iye akati, “Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.”
15Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani here, kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?” 16Iye akati, “Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, ‘Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.’ ”
17Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?”
18Mikaya akati, “Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
19“Ipapo Jehovha akati, ‘Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotigireadhi?’ Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti. 20Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, ‘Ini ndichandomunyengera.’ Jehovha akati kwauri, ‘Neiko?’ 21Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose.’ Iye akati, ‘Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.’
22“Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu.”
23Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, “Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?”
24Mikaya akati, “Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati.”
25Ipapo mambo waIsiraeri akati, “Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo, 26muti, ‘Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.’ ”
27Ipapo Mikaya akati, “Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Akati, “Inzwai, imi vanhu, imi mose.”
28Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda Ramotigireadhi. 29Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
30Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, “Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.” 31Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, “Ndiye mambo waIsiraeri.” Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega. 32Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
33Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.” 34Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 18: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002