Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. Kana kune munhu anodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aIshe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mwari, anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa. Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa.
Verenga chikamu 1 Timoti 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 6:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo