1 Timoti 6:1-9
1 Timoti 6:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira. Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa, uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari. Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.
1 Timoti 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa. Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi. Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita. Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa
1 Timoti 6:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. Kana kune munhu anodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aIshe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mwari, anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa. Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa.
1 Timoti 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa. Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi. Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita. Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa
1 Timoti 6:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋose ʋari ʋaranda pasi pejoko, ŋgaʋati ʋatenzi ʋaʋo ʋanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMŋari nedzidziso ɀirege kumhurwa. Aʋo ʋanaʋatenzi ʋanotenda, ŋgaʋarege kuʋaɀidza ɀadziri hama, asi ɀikuru ŋgaʋaʋaɓatire, ɀaʋari ʋatendi naʋanoɗikanwa ʋanoɓatsirwa nokuɓata kwaʋo kwakanaka. Dzidzisa ɀinhu iɀi, uɀiraire. Kana kunomunhu unodzidzisa imŋe dzidziso, asiŋgabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe weɗu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mŋari, unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa, nokukakaʋadzana kusiŋgaperi kwaʋanhu ʋanomuraŋgariro wakaʋodzwa, ʋakatorerwa ɀokwaɗi, ʋaciti kunamata Mŋari ndiɀo ɀinofumisa. Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo; nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu; asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo. Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa.