1 Timoti 6
6
Varanda navatenzi vavo
1Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa. 2Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi.
Zvidzidziso zvenhema
Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita. 3Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari 4anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose 5nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. 6Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo 7nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika 8asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. 9Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa 10nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
Timoti anoyeuchidzwa nezvebasa raakapiwa musangano
11Asi iwe munhu waMwari siyana nezvinhu izvi. Vavarira ururami, kuzvipira kuna Mwari nechitendero norudo nokuva nemwoyo mumwechete nounyoro. 12Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. 13Pamberi paMwari anopa upenyu kuzvinhu zvose uye pamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paumboo hwake pamberi paPontio Pirato, 14ndinokukomeresa kuti uchengete mutemo usina kusvibiswa uye pasina chaunopomerwa kusvikira kuzviratidza kwaTenzi wedu Jesu Kristu. 15Izvi zvichazoratidzwa panguva yakakodzera naiye wamakomborero, Mambo wamadzimambo naTenzi wavatenzi 16iye oga chirambakusakara; asingafi anogara muchiedza chisingasvikiki; asina kumboonekwa nomunhu uye asingagoni kuonekwa. Iye ngaarumbidzwe noutongi husingaperi. Ameni.
17Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza. 18Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza. 19Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo. 20Iwe Timoti chengetedza zvakaiswa mumaoko mako kuti uchengete. Siyana nokutaura kusinei naMwari zvinopesana nezvinenge zvichinzi ichokwadi izvo zvisiri chokwadi. 21Vamwe vakatevera izvozvo vakarasika gwara rechitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Timoti 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.