Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 4:7-10

1 Timoti 4:7-10 SNA2002

Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya. Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.

Verenga chikamu 1 Timoti 4