1 VaTesaronika 1:8-10
1 VaTesaronika 1:8-10 SNA2002
Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu. Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; uye, kuti makatendeukira kuna Mwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wachokwadi, nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotisunungura pakutsamwa kunouya.

