Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 1

1
Kwaziso
1Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika, iri muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare.
Kuvonga kwaPauro
2Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; 3tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu; 4tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu. 5Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu. 6Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene; 7naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya. 8Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu. 9Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; uye, kuti makatendeukira kuna Mwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wachokwadi, 10nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotisunungura pakutsamwa kunouya.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaTesaronika 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda