Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:45-47

1 Samueri 17:45-47 SNA2002

Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.