Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:41-47

1 Samueri 17:41-47 SNA2002

MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira. Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.” Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.