Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 16:6-13

1 Samueri 16:6-13 SNA2002

Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, “Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.” Asi Jehovha wakati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, “Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.” Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, “Nouyu Jehovha haana kumutsaura.” Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, “Jehovha haana kutsaura ava.” Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.” Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.” Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.