Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 16:6-13

1 Samueri 16:6-13 SCLB

Pakusvika kwavakaita, Samueri akatarisa Ereabhu akazviti nechomumwoyo, “Chokwadi uyu ari pana Tenzi ndiye muzodzwa wake.” Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.” Jese akadaidza Abhinadhabhu akati apfuure napana Samueri. Samueri akati, “Kana naiyeyuwo Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati Shama apfuurewo napo. Samueri akati, “Kunyangewo naiyeyu Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati vana vake vakomana vose vari vanomwe vapfuure napaiva naSamueri. Asi Samueri akati kuna Jese, “Tenzi haana kumbosarudza ivava.” Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.” Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.” Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama.