Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 8:17-24

1 Madzimambo 8:17-24 SNA2002

Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, “Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.” Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti. Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. “Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.