1 Madzimambo 8:17-24
1 Madzimambo 8:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako. Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’ “Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.” Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi.

1 Madzimambo 8:17-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, “Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.” Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti. Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. “Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
1 Madzimambo 8:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo. Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’ Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi. Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.” Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno.
1 Madzimambo 8:17-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo, asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba. Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nɀimbo, imo munesuŋgano yaJehova, yaakaita namadziɓaɓa eɗu paŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita. Ɀino Soromoni akamira pamberi peartari yaJehova, pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga, akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose. Imi makaitira muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukaɀiita noruʋoko rwenyu, seɀaɀakaita nhasi.
1 Madzimambo 8:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)