Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 8:12-21

1 Madzimambo 8:12-21 SNA2002

Ipapo Soromoni akati, “Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru. Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.” Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka. Akati, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti, ‘Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, “Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.” Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti.