Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 8:12-21

1 Madzimambo 8:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Soromoni akati, “Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira zvake kugara mugore rakati kwirindindi. Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba, ino chaiyo, inomukurumbira, musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.” Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira. Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti, ‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo. Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’ Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi. Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.”

1 Madzimambo 8:12-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)