Ipapo Soromoni akati: Jehova wakati, ndinoɗa kugara mukati merima guru. Ɀirokwaɀo, ndakakuʋakirai imba pamuŋgagara, nɀimbo mamuŋgagara nokusiŋgaperi. Ɀino mambo akatendeʋudza ciso cake, akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri; ʋuŋgano yose yaIsraeri ikasimuka. Akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, akaɀizadzisa noruʋoko rwake, aciti: Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; asi ndakatsaura Davidi aɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo, asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba. Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nɀimbo, imo munesuŋgano yaJehova, yaakaita namadziɓaɓa eɗu paŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita.
Verenga chikamu I Madzimambo 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Madzimambo 8:12-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo