Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati, “Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye. Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda. Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, ‘Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.’
Verenga chikamu 1 Madzimambo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 2:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo