Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 2

2
Kufa kwaDhavhidhi
1Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati, 2“Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye. 3Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda. 4Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, ‘Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.’
5“Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake. 6Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.
7“Asi vanakomana vaBharizirai muGireadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
8“Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, ‘Handingakuurayi nomunondo.’ 9Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nokuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa.”
10Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi. 11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.
Soromoni anoraira kuti Adhonia, naJoabhu naShimei vaurawe, naAbhiatari abviswe paupristi
12Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
13Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati‐shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, “Unouya norugare here?” Iye akati, “Hongu, norugare.” 14Akatizve, “Ndine chimwe chandinoda kukuudzai.” Ivo vakati, “Taura hako.”
15Akati, “Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avaIsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, ukazova hwomun’una wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha. 16Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho.” Ivo vakati kwaari, “Taura hako.”
17Akati, “Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nokuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.” 18Bhati‐shebha akati, “Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo.”
19Naizvozvo Bhati‐shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi. 20Ipapo vakati, “Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi.” Mambo akati kwavari, “Kumbirai henyu, mai vangu, nokuti handingakurambiriyi icho.”
21Vakati, “Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.”
22Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, “Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.” 23Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake. 24Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi.”
25Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
26Mambo akati kuna Abhiatari mupristi, “Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi chete pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose.” 27Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupristi pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.
28Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari. 29Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, “Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari.” Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, “Enda undomuvamba.” 30Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, “Zvanzi namambo, ‘Budai!’ ” Iye akati, “Kwete, ndichafira pano hangu.” Bhenaya akaudza mambozve, akati, “Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.”
31Ipapo mambo akati kwaari, “Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva. 32Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha. 33Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi.”
34Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje. 35Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupristi panzvimbo yaAbhiatari.
36Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, “Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe. 37Nokuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako.”
38Ipapo Shimei akati kuna mambo, “Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo.” Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.
39Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, “Tarira varanda vako vari Gati.” 40Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chityaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati. 41Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakanga abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve. 42Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, “Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, ‘Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo?’ Iwe ukati kwandiri, ‘Shoko randanzwa rakanaka.’ 43Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?” 44Mambo akatiwo kuna Shimei, “Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako. 45Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.”
46Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda