Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 16:29-34

1 Madzimambo 16:29-34 SNA2002

Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri; Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri. Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira. Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari. Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria. Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira. Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.