Zvino mambo Soromoni wakanga achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti; vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri, “Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nokuti zvirokwazvo, vachatsautsa mwoyo yenyu mukazotevera vamwari vavo;” zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada. Wakanga ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake. Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. Nokuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni. Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake. Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni. Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuwira nokuvabayira.
Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nokuti mwoyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari waIsiraeri, iye wakanga azviratidza kaviri kwaari, akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.
Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, “Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako. Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako. Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.”