1 Madzimambo 11:1-13
1 Madzimambo 11:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo Soromoni wakanga achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti; vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri, “Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nokuti zvirokwazvo, vachatsautsa mwoyo yenyu mukazotevera vamwari vavo;” zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada. Wakanga ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake. Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. Nokuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni. Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake. Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni. Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuwira nokuvabayira. Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nokuti mwoyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari waIsiraeri, iye wakanga azviratidza kaviri kwaari, akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari. Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, “Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako. Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako. Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.”
1 Madzimambo 11:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake. Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake. Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni. Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo. Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri. Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha. Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako. Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako. Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”
1 Madzimambo 11:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Soromoni akada vakadzi vakawanda kwazvo vechirudzi, kwaiti mukunda waFarao navakadzi vechiMoabhu nevechiAmoni nevechiEdhomu nevechiSidhoni nevechiHiti. Marudzi iwaya ndiwo akanga afanoyambirwa vaIsiraeri naTenzi achiti, “Hamufaniri kuroorerana navo. Chiripo chaicho ndechokuti vachakukwezverai mwoyo kuna vamwari vavo.” Asi Soromoni ndiye akaramba angoti kwati navo. Aiva navakadzi mazana manomwe vakanga vari vakunda vamadzimambo aivawo navarongo mazana matatu. Vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kusiriiko nokuti Soromoni paakanga zvino akwegura vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kuna vamwari vavo. Akanga asisatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose sababa vake Dhavhidhi. Mwoyo waSoromoni wakanga zvino wavavo kune zvokunamata Ashitoreti, mwari wevaSidhoni wechikadzi, nokunamatawo chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Mirikomu, mwari wavaAmoni. Ipapo Soromoni akaita zvakaipa pana Tenzi asisatevere Tenzi zvizere sababa vake Dhavhidhi. Soromoni akavakira pane chimwe chikomo kumabvazuva kweJuraseremu nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kune chimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu nechimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Moreki mwari wevaAmoni. Izvozvi ndozvaakaitira vakadzi vake vose vechirudzi, vaipisira rusenzi vachipira zvibayiro vamwari vavo. Tenzi akashatirirwa Soromoni pamusana pokuti mwoyo wake wakanga zvino wakwezverwa kure naTenzi, Mwari wavaIsiraeri akambozviratidza ruviri rwese kwaari akanga amuudzawo nezvenyaya iyoyi kuti arege kutevera vamwe vamwari. Asi haana kumbochengeta zvakanga zvanzi naTenzi zviitwe. Naizvozvo Tenzi akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti ndozvawava nazvo izvi zvokurega kuchengeta chitenderano changu nemirao yangu yandakati uchengete, zvino ndichabvarura chete umambo hwaunahwo ndigopa rimwe gurukota rako. Asi handisi kuzoita izvozvo munguva yako pamusana pababa vako Dhavhidhi. Asi ndichazohubvarura mumaoko emwanakomana wako. Chete handisi kuzobvarura umambo hwacho hwose. Asi ndichapa dzinza rimwechete kumwanakomana wako pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu randakasarudza.”
1 Madzimambo 11:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo Soromoni wakaŋga aciɗa ʋakadzi ʋazhinji ʋatorwa pamŋe cete nomukunda waFarao, ʋakadzi ʋaʋaMoabi, naʋaAmoni, naʋaEdomi, naʋaZidoni, naʋaHiti; ʋaiʋa ʋendudzi dzakaŋga dzanzi naJehova kuʋana ʋaIsraeri: Musaenda pakati paʋo, naiʋo ŋgaʋarege kupinda pakati penyu; nokuti ɀirokwaɀo, ʋacatsausa mŋoyo yenyu mukazoteʋera ʋamŋari ʋaʋo; ɀino Soromoni wakanamatira iʋaʋo aciʋaɗa. Wakaŋga anaʋakadzi ʋanamazana manomŋe, ʋakunda ʋamadzimambo, naʋaroŋgo ʋanamazana matatu; ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake. Nokuti Soromoni wakati akwegura, ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake kuti ateʋere ʋamŋe ʋamŋari; mŋoyo wake hauna‐kuzoʋa wakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, seɀakaŋga ɀakaita mŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake. Nokuti Soromoni wakateʋera Ashtoreti, mŋarikadzi waʋaZidoni, naMirkomi mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni. Naiɀoɀo Soromoni wakaita ɀakaipa pamberi paJehova, haana‐kuteʋera Jehova kwaɀo, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake. Ɀino Soromoni akaʋakira Kemoshi, mŋari unonyaŋgadza waMoabi, ɗunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusarema; naMoreki, mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni. Saiɀoɀo akaitira ʋo ʋakadzi ʋake ʋose ʋatorwa, ʋaipisira ʋamŋari ʋaʋo ɀinonhuwira nokuʋaɓayira. Ɀino Jehova akatsamŋira Soromoni, nokuti mŋoyo wake wakatsauka kunaJehova Mŋari waIsraeri, iye wakaŋga aɀiratidza kaʋiri kwaari, akamuraira pamsoro pecinhu ici, kuti arege kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari; asi haana‐kuita iɀo ɀaakaŋga arairwa naMŋari. Naiɀoɀo Jehova akati kunaSoromoni: Ɀawaita iɀoɀi, ukasaceŋgeta suŋgano yaŋgu nemitemo yaŋgu, yandakakuraira, ɀirokwaɀo ndicabvarura ʋushe bgako, ndibgubvise kwauri, ndibgupe muranda wako. Kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgaɀiiti pamazuʋa ako nokuɗa kwaDavidi ɓaɓa ʋako; asi ndicabgubvarura, ndikabgubvisa paruʋoko rwomŋanakomana wako. Kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgabgubvaruri ndikabgubvisa bgose, asi ndicapa mŋanakomana wako rudzi rumŋe nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu, ʋuye nokuɗa kweJerusarema, iro guta randakatsaura.
1 Madzimambo 11:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)