1 Johani 5
5
Anotenda kuna Jesu Kristu, ndiye anokunda nyika
1Mumwe nomumwe, anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye akaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, anoda iye akabereka, anodawo akaberekwa naye. 2Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirayiro yake.
3Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi. 4Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu. 5Ndianiko anokunda nyika? Haazi iye anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari here?
6Ndiye akauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. 7Ndiye Mweya anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. 8Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe.
9Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kukupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake. 10Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
11Kupupura ndiko, kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. 12Ane Mwanakomana waMwari ano upenyu, asina Mwanakomana waMwari, haano hupenyu.
Zvatinoziva
13Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munoupenyu husingaperi, iyemi munotenda kuzita roMwanakomana waMwari. 14Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, anotinzwa; 15zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.
16Kana munhu achiona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, achakumbira, Mwari agomupa upenyu hunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi. 17Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.
18Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi akaberekwa naMwari anochengetwa naye, akaipa haangamubati. 19Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose igere muna iye wakaipa. 20Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya, akatipa kuziva, kuti tizive iye nechokwadi; nesu tiri muna iye nechokwadi, muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi, noupenyu husingaperi. 21Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002