Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari.
Verenga chikamu 1 Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 4:8-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo