Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 3:5-15

1 VaKorinde 3:5-15 SNA2002

Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini. Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, achapiwa mubayiro. Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene achaponeswa, asi soakabuda pamoto.