1 VaKorinde 3:5-15
1 VaKorinde 3:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
1 VaKorinde 3:5-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera; mumwe anovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro padzo. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirivha, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini. Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, achapiwa mubayiro. Kana basa romunhu rikapiswa, ucharasikirwa, asi iye amene achaponeswa, asi soakabuda pamoto.
1 VaKorinde 3:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko iye Aporosi chiiwo zvake? Pauro chinyi? Varanda. Imi makawana chitendero chenyu nemavari sokupiwa kwakaitwa mumwe nomumwe wavo. Ini ndakadyara, Aporosi akadiridza asi Mwari ndiye akaita kuti zvikure. Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure. Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari. Imi muri munda waMwari, imba yaMwari. Nenyasha dzandakapiwa naMwari ndakavaka hwaro somuzivi chaiye wokuvaka. Mumwe ndiye ari kuvaka pasoro pahwo. Munhu wose ngaatozvingwarira kuti anovaka sei pahuri. Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu. Zvino mumwe anogona kuvaka hwaro ihwohwo nendarama, mumwe nesirivha mumwe namatombo anokosha mumwewo namapango mumwe nouswa mumwe namashanga. Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei. Kana basa rokuvaka rakaitwa nomunhu pahwaro huya rikagona kuramba riripo, munhu iyeyo achawana mubayiro. Asi basa romunhu rikatsva, acharasikirwa. Iye pachake achaponeswa zvake asi somunhu akapunyuka nomumoto.
1 VaKorinde 3:5-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporo wakaɗiridza; asi Mŋari wakameresa. Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa. Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata. Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari. Nenyasha dzaMŋari dzandakapiwa, ndakaroŋga nheyo somuʋaki wakacenjera; mumŋe unoʋaka pamsoro padzo. Ɀino mumŋe nomumŋe ŋgaacenjere kuti unoʋaka sei pamsoro padzo. Nokuti hakunomumŋe uŋgaroŋga dzimŋe nheyo, asi idzo dzakaroŋgwa kare, ndiye Jesu Kristu. Ɀino kana munhu aciʋaka pamsoro penheyo idzi, ndarama, kana sirveri, kana mabge anokosha, kana matanda, kana ʋuswa, kana mashaŋga; ɓasa romumŋe nomumŋe ricaʋonekwa; nokuti zuʋa iro ricaɀiɓuɗisa pacena, nokuti ricaratidzwa nomŋoto; mŋoto ucaidza ɓasa romumŋe nomumŋe kuti rakaɗini. Kana ɓasa romunhu raakaʋaka pamsoro padzo, ricigara, ucapiwa muɓairo. Kana ɓasa romunhu rikapiswa, ucarashikirwa, asi iye amene ucaponeswa, asi sowakaɓuɗa pamŋoto.
1 VaKorinde 3:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)