Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe. Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire. Asi kana pasina anodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokuna Mwari.
Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavatsoropodze. Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe agerepo, wokutanga ngaanyarare. Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe. Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita; nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
Vakadzi ngavanyarare pakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi ngavazviise pasi, sezvinorevawo murayiro.
Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure mukereke. Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murayiro waIshe. Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi hake.
Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo.