1 VaKorinde 14:26-40
1 VaKorinde 14:26-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke. Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri, kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake uye nokuna Mwari. Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura. Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare. Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe. Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita. Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare. Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene, vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro. Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke. Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here? Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe. Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe. Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.
1 VaKorinde 14:26-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe. Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire. Asi kana pasina anodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokuna Mwari. Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavatsoropodze. Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe agerepo, wokutanga ngaanyarare. Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe. Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita; nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene. Vakadzi ngavanyarare pakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi ngavazviise pasi, sezvinorevawo murayiro. Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure mukereke. Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here? Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murayiro waIshe. Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi hake. Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo.
1 VaKorinde 14:26-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino poitwa sei hama? Pamunoungana, mumwe anenge ane rwiyo, mumwe ane chidzidzo, mumwewo ane zvaakaoneswa, nomumwewo anenge achitaura rurimi rusingazivikanwi kana kududzira, zvose ngazviitwe kuti zvivake sangano. Kana pane vanotaura nendimi dzisingazivikanwi, ngavave vaviri chete kana kuti vatatu vachiravana. Kana vatowandisa ngavave vatatu, uye vachipana nguva, mumwe achiturikira. Kana pasina anoturikira, vose ngavanyarare musangano, munhu achizvitaurira iye pachake uye achitaura kuna Mwari. Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu. Vamwe vachiongorora zvinotaurwa. Kana mumwe agere pasi akawana zvaanoratidzwa, wokutanga ngaanyarare nokuti munokwanisa mose kuporofita muchitevedzana kuti vose vawane chavanodzidza; uye vose vakurudzirwe. Muporofita anofanira kuzvibata nemweya waanenge anawo pakuporofita, nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare somumasangano ose avatsvene. Vakadzi ngavanyarare mumasangano nokuti havabvumirwi kutaura asi vanofanira kuzviisa pasi sokutaura kunoita mutemo. Kana pane chavanoda kuziva ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti chinhu chinonyadzisa kuti mukadzi ataure musangano. Ko kutaura here ikoko? Ko iro shoko raMwari rakabva kwamuri here? Rakangosvika kwamuri moga here? Kana kune mumwe anofunga kuti muporofita kana kuti munhu wezvemweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai mutemo waTenzi. Kana munhu asingagamuchiri izvi naiyewo haagamuchirwi. Naizvozvo hama dzangu vavarirai kuporofita musarambidze kutaura nendimi dzisingazivikanwi. Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo kwawo zvakarongwawo zvakanaka.
1 VaKorinde 14:26-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ticatiyiko, hama dzaŋgu? Kana muciʋuŋgana, mumŋe nomumŋe unepisarema, unecokudzidzisa, unecakamuzarurirwa, unorumŋe rurimi, unecokuɗudzira. Ŋgaɀiitwe ɀose, kuti musimbiswe. Kana mumŋe acitaura norurimi, ŋgaɀiitwe naʋaʋiri, kana ʋarege kupfuʋura ʋatatu, ʋaciraʋana; nomumŋe ŋgaaɗudzire. Asi kana pasina‐unoɗudzira, ŋgaanyarare mukereke; ŋgaaɀitaurire iye, nokunaMŋari. Ʋaprofita ŋgaʋataure ʋaʋiri, kana ʋatatu, naʋamŋe ŋgaʋaidze. Ɀino kana cimŋe cinhu cikazarurirwa mumŋe ugere’po, wokutaŋga ŋgaanyarare. Nokuti muŋgaprofita mose, muciita mumŋe‐mumŋe, kuti ʋose ʋadzidze, ʋose ʋanyaradzwe. Mŋeya yaʋaprofita inoɀiisa pasi paʋaprofita; nokuti Mŋari haazi Mŋari wenyoŋganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzaʋatȿene. Ʋakadzi ŋgaʋanyarare pakereke; nokuti haʋatenderwi kutaura; asi ŋgaʋaɀiise pasi, seɀinoreʋa ʋo murairo. Kana ʋaciɗa kudzidza cinhu, ŋgaʋabvunze ʋarume ʋaʋo kumusha; nokuti haɀifaniri kuti mukadzi ataure mukereke. Ko shoko raMŋari rakabva kwamuri here? Kana rakaȿika kwamuri moga here? Kana munhu aciti, ndiri muprofita, kana ndiri womŋeya, ŋgaatende kuti iɀo ɀandinokunyorerai, murairo waShe. Asi kana munhu asiŋgaziʋi, ngaaʋe usiŋgaziʋi hake. Saka, hama dzaŋgu, shiŋgairirai kuprofita, musiŋgadziʋisi mumŋe kutaura nendimi. Asi ɀinhu ɀose ŋgaɀiitwe nomutoʋo wakafanira ɀinemirairo yaɀo.
1 VaKorinde 14:26-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)