Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu.
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here? Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here? Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo.
Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo. Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi. Vose vapostori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here? Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here? Asi shingairirai zvipo zvikuru.
Ndinokuratidzaiwo nzira yakaisvonaka inopfuura dzose.