Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.” Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose. Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu; mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu; mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe; kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi; asi izvi zvose zvinoitwa naMweya iwoyu mumwechete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 12:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo