Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 14

14
Jehova ucaɓata ʋushe bgose.
1Tarirai, zuʋa raJehova rinoȿika, neŋguʋa iyo ɀawakapamba ɀicagoʋerwa mukati mako. 2Nokuti ndicaʋuŋganidza ndudzi dzose dzaʋanhu kuzorwa neJerusarema; guta ricakundwa, dzimba dzicapambga, naʋakadzi ʋaʋo ʋacacinyiwa; hafu yeguta ʋacatapxa, asi ʋakasara ʋaʋanhu haʋaŋgabviswi muguta. 3Ipapo Jehova ucaɓuɗa, ndokurwa nendudzi idzedzo, seɀaakarwa nezuʋa rehondo. 4Nezuʋa iro tsoka dzake dzicamira pagomo reMiorivi, riri pamberi peJerusarema kurutiʋi rwamabvazuʋa; gomo reMiorivi ricapamuka napakati, ɀicibva kumabvazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, kukaʋa’po mupata mukuru kwaɀo; imŋe hafu yegomo icatseɗukira kurutiʋi rwokumsoro, imŋe hafu yaro kurutiʋi rwezasi. 5Mucatiza nomumupata wamakomo aŋgu, nokuti mupata wamakomo ucandoȿika paAzeri; ɀirokwaɀo mucatiza, seɀamakatiza kuɗeŋgenyeka kwenyika pamazuʋa aUzia mambo waJuda; ipapo Jehova Mŋari waŋgu ucaʋuya, naʋatȿene ʋose pamŋe cete newe. 6Ɀino nezuʋa iro ciedza cicashaikwa, ɀinopenya ɀicadzimŋa. 7Asi ricaʋa zuʋa rimŋe rinozikanwa naJehova, hapaŋgaʋi namasikati kana ʋusiku, asi neŋguʋa yamaɗekwana ciedza cicaʋa’po. 8Ɀino nezuʋa iro mvura mhenyu zhinji icaɓuɗa muJerusarema; imŋe hafu yayo icayerera kuguŋgwa rokumabvazuʋa, imŋe hafu yayo kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; ɀicaitwa pazhezha napacando. 9Jehova ucaʋa Mambo wenyika yose; nezuʋa iro Jehova ucaʋa mumŋe cete, nezita rake rimŋe cete. 10Nyika yose icaita seɓani, ɀicibva Geba kuȿikira paRimoni, kurutiʋi rwezasi rweJerusarema; iro ricakwiridzwa, ricagara panɀimbo yaro, kubva pasuʋo raBenjamini kuȿikira kunɀimbo yesuʋo rokutaŋga, kuȿikira kusuʋo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kuȿikira kuɀiȿiniro ɀewaini ɀamambo. 11Ʋanhu ʋacagara’mo; kutukwa hakuŋgazoʋi’po, asi Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa. 12Uku ndiko kuroʋa Jehova kwaacaroʋa nako ndudzi dzose dzaʋanhu dzakarwa neJerusarema: nyama yaʋo icaʋora ʋamire namakumbo aʋo, meso aʋo acaʋorera mumakomba awo, norurimi rwaʋo rucaʋorera mumiromo yaʋo. 13Ɀino nezuʋa iro kunyoŋganiswa kukuru kunobva kunaJehova kucaʋa’po pakati paʋo; mumŋe nomumŋe ucaɓata ruʋoko rwowokwake, ʋuye ruʋoko rwake rucasimudzirwa ruʋoko rwowokwake. 14Juda ʋacarwa ʋo paJerusarema; fuma yendudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza icaʋuŋganidzwa, inoti ndarama, nesirveri, neŋguʋo, ɀizhinji kwaɀo. 15Seɀakaita kurobga uku, ndiɀo ɀicaita ʋo kurobga kwamabiza namahesera, namakamera, nemboŋgoro, neɀipfuwo ɀose ɀicaʋa’po pamisasa iyo. 16Ɀino ʋose ʋakasara ʋendudzi dzose dzakarwa neJerusarema, ʋacakwira gore rimŋe nerimŋe kundonamata Mambo, iye Jehova wehondo, nokutamba mutambo wamatumba. 17Aninani pamarudzi enyika usiŋgakwiri Jerusarema kundonamata Mambo, Jehova wehondo, haaŋganisirwi mvura. 18Kana rudzi rwaʋaEgipita rusiŋgakwiri, ʋakasaȿika’po, naiʋo ʋacaʋiŋgwa nokurobga Jehova waacaroʋa nako ndudzi dzaʋanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. 19Uku ndiko kurobga kwaʋaEgipita nokurobga kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. 20Nezuʋa iro pamatare anorira amabiza pacanyorwa, paciti: ⱿITⱾENE KUNAJEHOVA; nehari dziri mumba maJehova dzicafanana nembiya dziri pamberi peartari. 21Ɀirokwaɀo, hari imŋe neimŋe paJerusarema napaJuda icaʋa tȿene kunaJehova wehondo; ʋose ʋanoɗa kuɓayira ʋacaʋuya ʋacidzitora, kuzoɓikira’mo; nezuʋa iro hapacazoʋi nomuKanani mumba maJehova wehondo.

Zvasarudzwa nguva ino

Zekaria 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda