Zekaria 13
13
Ʋanhu ʋaJehova ʋacanatswa ɀiʋi ɀaʋo.
1Nezuʋa iro imba yaDavidi naʋagere Jerusarema ʋacadziʋurirwa tsime, rokusuka ɀiʋi netȿina. 2Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika. 3Ɀino kana aninani aciprofita, ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacati kwaari: Hauŋgararami, nokuti unoreʋa nhema nezita raJehova; ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacamubvoʋora kana aciprofita. 4Ɀino nezuʋa iro ʋaprofita ʋacanyadziswa mumŋe nomumŋe necaanoʋona, kana aciprofita, haʋaŋgapfeki ŋguʋo yemvere ʋaciti tinonyeŋgera ʋanhu; 5asi ucati: Handizi muprofita, ndiri murimi wevu; nokuti ndakaitwa muranda kubva paʋuɗuku bgaŋgu. 6Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu.
7Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku. 8Ɀino munyika yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — migoʋe miʋiri icaparadzwa ndokufa; asi wecitatu ucaregwa’mo. 9Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018