Zekaria 10
10
Jehova ucaropafadza Juda naIsraeri.
1Kumbirai kunaJehova mvura neŋguʋa yemvura yokupedzisira, kunaiye Jehova unoita mheni; iye ucaʋapa mvura inonaya kwaɀo, mumŋe nomumŋe aʋe neɀinomera mumunda. 2Nokuti terafimi dzakataura ɀisinamaturo, ʋaʋuki ʋakaʋona nhema, ʋakaʋudza ʋanhu kurota kwenhema, ʋanoʋaraidza pasina; saka ʋanoɀiindira samakwai, ʋanotambudzika nokushaiwa mufudzi. 3Kutsamŋa kwaŋgu kwakamukira ʋafudzi, ndicaroʋa nhoŋgo; nokuti Jehova wehondo wakashanyira ɓoka rake, iyo imba yaJuda, ucaʋaita sebiza rake rakanaka pakurwa. 4Kwaari kucabva ibge rekona, kwaari mbambo, kwaari ʋuta bgehondo, kwaari ʋaɓati ʋose pamŋe cete. 5Ʋacaʋa semhare dzinotsika ʋaʋeŋgi ʋadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; ʋacarwa nokuti Jehova unaʋo; ʋataȿi ʋamabiza ʋacanyadziswa. 6Ndicasimbisa imba yaJuda, ndicaponesa imba yaJosefa, nokuʋadzosera ɀe, nokuti ndicaʋanzwira nyasha; ʋacaʋa saʋanhu ʋasina‐kurashwa neni; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ndicaʋanzwa. 7ƲaEfraimi ʋacaʋa semhare, mŋoyo yaʋo icafara saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ɀirokwaɀo ʋana ʋaʋo ʋacaɀiʋona, ʋakafara; mŋoyo yaʋo icafara munaJehova. 8Ndicaʋaridzira muridzo, ndiʋaʋuŋganidze; nokuti ndakaʋadzikinura; ʋacawanda seɀaʋaiwanda kare. 9Ndicaʋakusha pakati pendudzi dzaʋanhu; ʋacandiraŋgarira kunyika dziri kure; ʋacararama pamŋe cete naʋana ʋaʋo, ʋakadzoka. 10Ndicaʋadzosa ɀe panyika yeEgipita, ndicaʋaʋuŋganidza ndiciʋabvisa paAsiria; ndicaʋaȿitsa kunyika yeGireadi neRebanoni; ʋacashaiwa pokugara. 11Ucafamba nomuguŋgwa rokutambudzika, ucaroʋa mafuŋgu muguŋgwa, pakadzika pose muNairi pacapxa; kuɀikudza kweAsiria kucaɗeredzwa, tȿimbo yoʋushe yeEgipita icabviswa. 12Ndicaʋasimbisa munaJehova, ʋacafamba muzita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018