Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 5:1-20

ƲaRoma 5:1-20 SUB1949

Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira; kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa. Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari. Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka. Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi. Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa. Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake; ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi tinofara ɀikuru ʋo munaMŋari naShe weɗu Jesu Kristu, watakapiwa ɀino naye iko kuyananiswa. Saka, ɀiʋi seɀaɀakapinda munyika nomunhu mumŋe, norufu rukapinda neɀiʋi; saiɀoɀo rufu rwakaȿika kuʋanhu ʋose, nokuti ʋose ʋakatadza; nokuti murairo usati waʋa’po, ɀiʋi ɀakaŋga ɀiri panyika; asi ɀiʋi haɀiʋereŋgerwi munhu, kana kusinomurairo. Asi rufu rwakaɓata ʋushe kubva kunaAdama kuȿikira kunaMosesi, kunyaŋge napakati ʋo paʋasina‐kutadza nokuɗarika kwaAdama, waiʋa mufananidzo wowakaŋga acizoʋuya. Asi cipo cokuŋgopiwa hacifanani nokuɗarika. Nokuti kana ʋazhinji ʋakafa nokuɗarika kwomumŋe, ɀikuru nyasha dzaMŋari necipo cakaʋuya nenyasha dzomunhu mumŋe, Jesu Kristu, ɀakawandira ʋazhinji. Ʋuye cipo hacifanani neɀiʋi ɀomunhu mumŋe wakatadza; nokuti kutoŋga kwakaʋuya nomunhu mumŋe kuti ʋapiwe mhoȿa; asi cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya nokuɗarika kuzhinji, kuti ʋaruramisirwe. Nokuti kana nokuɗarika kwomumŋe rufu rwakaɓata ʋushe nomunhu uyu mumŋe; ɀikuru aʋo, ʋakapiwa kuwanda kwenyasha nokwecipo cokururama, ʋacaɓata ʋushe paʋupenyu nomumŋe, iye Jesu Kristu. Naiɀoɀo, kutoŋga seɀakwakaʋuya kuʋanhu ʋose nokuɗarika kumŋe, kuti ʋapiwe mhoȿa; saiɀoɀo nokururamisa kumŋe cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya kuʋanhu ʋose, kururamisirwa kwoʋupenyu kukaʋa’po. Nokuti ʋazhinji sezaʋakaitwa ʋatadzi nokusaterera kwomumŋe, saiɀoɀo ʋazhinji ʋacaitwa ʋakarurama nokuterera kwomumŋe. Murairo wakapinda ʋo kuti kuɗarika kuwande; ɀino ɀiʋi paɀakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuʋurisa

Verenga chikamu ƲaRoma 5