Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 16

16
Wonekano.
1Ndinoreʋerera kwamuri Fibi, hanɀadzi yeɗu, mushandiri wekereke iri paKenkrea. 2Kuti mumugamucire munaShe, seɀinofanira ʋatȿene, nokumuɓatsira paɀinhu ɀose ɀaaŋgashaiwa; nokuti iye amene wakaɓatsira ʋazhinji, neni ʋo ndimene.
3 Ndikwazisirei Priska naAkwira, ʋanoɓata neni munaKristu Jesu, 4ʋakaisa mitsipa yaʋo kurwira ʋupenyu bgaŋgu; ʋandisiŋgaʋoŋgi ini ndoga, asi nekereke dzose dzaʋahedeni. 5Ndikwazisirei ʋo kereke iri paimba yaʋo. Ndikwazisirei Epeneto, muɗikanwa waŋgu, ndiye ciɓereko cokutaŋga munaKristu paAsia. 6Ndikwazisirei Maria, wakakuɓatsirai ɀikuru. 7Ndikwazisirei Androniko naJunia, worudzi rwaŋgu, ʋakasuŋgwa pamŋe cete neni, ʋakakurumbira pakati paʋaapostora, ʋakanditaŋgira ʋo kuʋa munaKristu. 8Ndikwazisirei Ampriato, muɗikanwa waŋgu munaShe. 9Ndikwazisirei Urbano, unoɓata nesu munaKristu, naStako, muɗikanwa waŋgu. 10Ndiwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei ʋokwaAristoburo. 11Ndikwazisirei Herodio worudzi rwaŋgu. Ndikwazisirei ʋokwaNarkiso, ʋari munaShe. 12Ndikwazisirei Trifaina naTrifosa, ʋanoɓata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, muɗikanwa, wakaɓata ɀikuru munaShe. 13Ndikwazisirei Rufosi, musanaŋgurwa munaShe, namai ʋake, naʋaŋgu. 14Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHermasi, nehama dziri kwaʋari. 15Ndikwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanɀadzi yake, naOrimpasi, naʋatȿene ʋose ʋari kwaʋari. 16Kwazisanai nokuȿeta kutȿene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
17Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti mucerekedze aʋo ʋanopesanisa, naʋanogumbusa, ʋaciita ɀinopesana nedzidziso yamakadzidza imi; muʋanɀeŋge. 18Nokuti ʋakaɗaro haʋaɓatiri Ishe weɗu Kristu, asi ɗumbu raʋo; ʋanonyeŋgera mŋoyo yaʋasina‐ɀakaipa namashoko aʋo akanaka, anoɓata kumeso. 19Nokuti kuterera kwenyu kwakaȿika kuʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ndinofara pamsoro penyu; asi ndinoɗa kuti muʋe ʋakacenjera kuneɀakanaka, asi ʋasinenjere kuneɀakaipa. 20Ɀino Mŋari worugare ucakurumidza kupxanya Satani pasi petsoka dzenyu.
Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.
21Timotio, unoɓata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, ʋorudzi rwaŋgu. 22Ini Tertiosi, unonyora ŋwadi iyi, ndinokukwazisai munaShe. 23Gaiosi, wakandigamucira ini nekereke yose, unokukwazisai. 24Erastosi, muceŋgeti wemari yeguta, unokukwazisai, naKwartosi ʋo, hama.
25Ɀino iye, unogona kukusimbisai, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kweɀakaʋanzika, ɀisina‐kurebga ŋguʋa dzisiŋgaperi, 26asi ɀino ɀinoratidzwa nokuziʋiswa kumarudzi ose, naMagwaro aʋaprofita, seɀakarairwa naMŋari usiŋgaperi, kuti ʋaterere nokutenda; 27iye Mŋari wakacenjera oga, ŋgaaʋe nokubginya naJesu Kristu nokusiŋgaperi. Ameni.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaRoma 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda