Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 11:25-36

ƲaRoma 11:25-36 SUB1949

Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda; naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi: PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri; Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo; Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo, Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo. Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa. Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi. Nokuti semi kare makaŋga musiŋgatereri Mŋari, asi ɀino makanzwirwa ŋgoni nokusaterera kwaʋo, saiɀoɀo naiʋo ɀino haʋana‐kuterera, kuti neŋgoni dzakaitirwa imi naiʋo ʋanzwirwe ʋo ŋgoni. Nokuti Mŋari wakaʋapfigira ʋose pakusaterera kwaʋo, kuti aʋanzwire ŋgoni ʋose. Haiwa kufuma kwokucenjera nokuziʋa kwaMŋari kwakadzika sei! Kutoŋga kwake hakuŋganɀerwi, nenzira dzake hadziŋgarondwi! Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe? Ndianiko wakaŋga ari murairi wake? Ndianiko wakataŋga kumupa, kuti aripirwe ɀe? Nokuti ɀose ɀinobva kwaari, ɀiri’po naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi. Ameni.

Verenga chikamu ƲaRoma 11