Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86:1-8

Mapisarema 86:1-8 SUB1949

Rerekai nzeʋe dzenyu, Jehova, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi. Ceŋgetai mŋeya waŋgu; nokuti ndiri muɗikanwa wenyu; Haiwa Mŋari waŋgu, ponesai muranda wenyu unoʋimba nemi. Ndinzwirei ŋgoni, Ishe; Nokuti ndinoɗana kwamuri zuʋa rose. Fadzai mŋeya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri Ishe waŋgu. Nokuti imi, Ishe, makanaka, munofarira kukaŋganwira, Muneŋgoni zhinji kunaʋose ʋanoɗana kwamuri. Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova kumunyeŋgetero waŋgu; Tererai inzwi rokukumbira kwaŋgu. Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndicaɗana kwamuri, Nokuti mucandipindura. Hapana‐wakafanana nemi pakati paʋamŋari, Ishe, Ʋuye hapana‐maɓasa akafanana namaɓasa enyu.