Jehova, ndinoʋimba nemi; Ŋgandirege kutoŋgonyadziswa. Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunuŋgurei; Rerekerai nzeʋe yenyu kwandiri, mundiponese. Iʋai ɗombo raŋgu mandiŋgagara, kwandiŋgaramba ndicienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndi’mi ɗombo raŋgu nenhare yaŋgu. Ndisunuŋgurei, Mŋari waŋgu, paruʋoko rwowakaipa, Paruʋoko rwousina‐kururama nomunhu unomanikidza. Nokuti imi, Ishe Jehova, muri tariro yaŋgu; Ndi’mi wandinoʋimba naye kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Ndakatsigirwa nemi kubva paciɀaro; Ndi’mi makandiɓuɗisa paɗumbu ramai ʋaŋgu; Ndicasikurumbidzai. Ndiri cishamiso kunaʋazhinji; Asi imi muri ʋutiziro bgaŋgu bgakasimba. Muromo waŋgu ucazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuʋa rose. Regai kundirasha paŋguʋa yokukwegura kwaŋgu; Musandisiya kana ndapera simba. Nokuti ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanondireʋa; Ʋanogarira mŋeya waŋgu, ʋanoraŋgana, Ʋaciti: Mŋari wamusiya; Teʋerai, mumuɓate; nokuti hakuna‐uŋgamurwira. Mŋari, regai kuʋa kure neni; Mŋari waŋgu, kurumidzai kundiɓatsira. Aʋo ʋanodziʋisa mŋeya waŋgu ŋgaʋanyadziswe ʋapere; Ʋanotȿaka kundikuʋadza ŋgaʋafukidzwe nokushoʋorwa nokuɀidzwa. Asi ini ndicaramba ndicitarira, Ndicaramba ndiciwedzera kukurumbidzai. Muromo waŋgu ucareʋa kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuʋa rose; Nokuti handiziʋi kuwanda kwaɀo. Ndicaʋuya namaɓasa anesimba aShe aJehova; Ndicaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga.
Verenga chikamu Mapisarema 71
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 71:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo