Munoziʋa kushoʋorwa kwaŋgu, nokunyadzwa kwaŋgu nokuɀidzwa kwaŋgu; Ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋose ʋari mberi kwaŋgu. Kushoʋora kwakaputsa mŋoyo waŋgu; ndaremerwa kwaɀo; Ndakatȿaka ʋaŋgandinzwira nyasha, asi kwakaŋga kusinomunhu; Ndakatȿaka ʋaʋaraidzi, asi handina‐kuwana nomumŋe. Ʋakandipa nduru ɀiʋe ɀokudya ɀaŋgu; Pakunzwa nyota kwaŋgu ʋakandinwisa vinega. Tafura yaʋo ŋgaiʋe musuŋgo pamberi paʋo; Neriʋa, kana ʋakagarika haʋo. Meso aʋo ŋgaapofomadzwe, ʋarege kuʋona, Ɀiʋuno ɀaʋo ŋgaɀirambe ɀiciguɗa-guɗa. Ƌururai kutsamŋa kwenyu pamsoro paʋo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ŋgadziʋaɓate. Ʋugaro bgaʋo ŋgaʋuparadzwe; Ŋgakurege kuʋa nomunhu unogara pamatente aʋo. Nokuti ʋanotambudza uyo wamakaroʋa; Ʋanotaura ɀokurwadziwa kwaʋamakakuʋadza. Wedzerai ɀakaipa paɀakaipa ɀaʋo; Ŋgaʋarege kupinda pakururama kwenyu. Ŋgaʋadzimŋe parugwaro rwoʋupenyu, Ʋarege kunyorwa pamŋe cete naʋakarurama. Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mŋari, ŋgakundiise pakakwirira. Ndicarumbidza zita raMŋari norwiyo, Ndicamukudza nokuʋoŋga. Iɀo ɀicafadza Jehova kupfuʋura nzombe, Kana hando inenyaŋga namahwanda. Ʋanyoro ʋakaɀiʋona ʋakafara; Imi munotȿaka Mŋari, mŋoyo yenyu ŋgairarame. Nokuti Jehova unonzwa ʋashaiwi, Haashoʋori ʋasuŋgwa ʋake. Kuɗeŋga napasi ŋgaɀimurumbidze, Makuŋgwa, neɀose ɀinopfakanyika’mo. Nokuti Mŋari ucaponesa Zioni, nokuʋaka maguta aJuda; Ʋacagara’mo, iʋe nhaka yaʋo. Icaʋa nhaka yaʋana ʋaʋaranda ʋake; Ʋanoɗa zita rake ʋacagara’mo.
Verenga chikamu Mapisarema 69
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 69:19-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo