Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 63:3-8

Mapisarema 63:3-8 SUB1949

Nokuti ʋunyoro bgenyu ʋunokunda ʋupenyu; Miromo yaŋgu icakurumbidzai. Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai ndiciri mupenyu; Ndicasimudza maʋoko aŋgu nezita renyu. Mŋeya waŋgu ucaguta neɀineŋge mŋoŋgo namafuta; Muromo waŋgu ucakurumbidzai nemiromo inofara kwaɀo; Kana ndicikuraŋgarirai panhoʋo yaŋgu, Ndicikufuŋgai paŋguʋa dzoʋusiku. Nokuti makaŋga muri muɓatsiri waŋgu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndi’po pandicafara kwaɀo. Mŋeya waŋgu unokunamatirai nesimba rose; Ruʋoko rwenyu rworudyi runonditsigira.