Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 45:1-9

Mapisarema 45:1-9 SUB1949

Mŋoyo waŋgu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura ɀinhu ɀandakaita ɀinoreʋa mambo; Rurimi rwaŋgu ipeni yomunyori unokurumidza kunyora. Imi makanaka‐naka kupfuʋura ʋana ʋaʋanhu; Nyasha yakaɗururirwa pamiromo yenyu; Saka Mŋari wakakuropafadzai nokusiŋgaperi. Suŋgai munondo wenyu paciʋuno cenyu, imi wamasimba, Ʋukuru bgenyu noʋumambo bgenyu. Fambai noʋumambo bgenyu mucikunda, Nokuɗa kweɀokwaɗi noʋunyoro nokururama; Ruʋoko rwenyu rworudyi ŋgarukudzidzisei ɀinotyisa. Miseʋe yenyu inopinza; Ʋanhu ʋanokundwa nemi; Inoɓaya pamŋoyo yaʋaʋeŋgi ʋamambo. Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri; Tȿimbo yoʋushe bgenyu itȿimbo yakarurama. Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama; Naiɀoɀo Mŋari, Mŋari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu. Ŋguʋo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi nekasia; Maɗimbga akakufadzai aciridzwa mudzimba dzamambo dzenyaŋga dzenzou. Ʋakunda ʋamadzimambo ʋari pakati paʋanhukadzi ʋenyu ʋanokudzwa; Paruʋoko rwenyu rworudyi ʋahosi ʋamire ʋakashoŋga ndarama yeOfiri.